Psalms 76

Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1Mwari anozivikanwa muJudha;
zita rake iguru muIsraeri.
2Tende rake riri muSaremu,
ugaro hwake paZioni.
3Ndipo paakavhuna miseve inovaima,
nhoo neminondo, izvo zvombo zvokurwa. Sera

4Imi makashongedzwa nechiedza,
kupfuura makomo akapfuma nemhuka.
5Varume vakashinga vakavata pasi vapambwa,
vakavata hope dzavo dzokupedzisira;
hakuna mumwe wavarwi
angasimudza maoko ake.
6Pakutuka kwenyu, imi Mwari waJakobho,
zvose bhiza nengoro zvinovata zvakati mwiro.
7Imi moga ndimi munofanira kutyiwa.
Mukatsamwa, ndianiko angamira pamberi penyu?
8Muri kudenga makazivisa kutonga kwenyu,
uye nyika yakatya ikanyarara,
9haiwa Mwari, pamakasimuka kuti mutonge,
kuti muponese vanonetswa vose venyika. Sera
10Zvirokwazvo hasha dzenyu pamusoro pavanhu dzinokuvigirai kurumbidzwa,
uye vanosara pahasha dzenyu vachadziviswa.

11Itai mhiko kuna Jehovha Mwari wenyu mugodzizadzisa;
nyika dzose dzakakupoteredzai
ngadzivigire zvipo kuna Iye anofanira kutyiwa.
12Anoputsa mweya yavatongi;
anotyiwa namadzimambo enyika.
Copyright information for SnaBDSC